SlideShare a Scribd company logo
Yakarira hwamanda yeChimurenga
[Jabulani mzinyathi 25.09.2014]
Tisakanganwe zvazuro nehope
Tidye michero tichiyeuka mhodzi
Hapana mangwana pasina zuro
Chivhurai ninga dzepfungwa apinde
Apinde aya mashoko azuro ,nhasi namangwana
Vepfumo jena vakavaremberedza ambuya Nehanda
Sekuru Kakuvi naivo ndokuremberedzwa
Musure mekutumidzwa chizita chisina maturo
Chizita chisina maturo chekunzi dismas
Kwaiva kuedza kupedza Chimurenga netsika dzedu
Madzimati akaita zvawo chaizvo zvaanozikanirwa
Akati haiwa tadzura tsangadzi nemidzi
Vakati tatema muti hapana chigutsa chinobukira
Taita zviya zvekugobora pfungwa dzeChimurenga
Havana kuziva mashoko akadzama achazadziswa
Teererai munzwe nhasi tomareva
‘Mapfupa angu achamuka’
Ndati teererai munzwe mashoko akadzika
‘ Mapfupa angu achamuka’
Nhasi farai mapfupa aya akamuka
Detembo riya rakapiwa upenyu
Makaita sekuru Solomon Mutsvairo
Va Muzenda makarikwenenzvera nekuripa upenyu
Makanomira mumatare edzimhosva naro
VaChitepo ndokuratidza dzeugweta dzakapinza pfungwa
Takaramba kudya nhoko dzezvironda
Wepfumojena akanga aigochera pautsi
Sekuru VaMuzenda, Va Burombo nevamwe vese magamba
Wechimurenga moto makakuchidzira
Mbambo dzeudzvanyiriri ndokudzipura
Yechimurenga hwamanda yakarira
Mapfupa aya akamuka pemberai
Tsika dzedu makagukuchira VaMuzenda
Pazvinyorwa zvaVaChakaipa, Va Chidzero, Va Chitepo
Ruoko rwenyu rwakavepo, nanhasi rwuripo
Ngatidzorei ndangariro nhasi tisarasa gwara
Muchayeuka here ‘ Karikoga gumi remiseve’
‘ Nzvengamutsvairo’ VaChidzero makaratidza umhizha
VaChitepo ndokupakura ravakati ‘Soko risina musoro’
Imi ndokuvhumbamira vose ava vanyori
Yenyika ino midzimu makafadza
Zvedzinza renyu kusema hamuna
Mucherechedzo makatisiira
Pakati peruzhinji magagada makasungirira
Mhande , shangara ndokudzana
Kuya kuzvininipisa hatikanganwi
Mapfupa aya akamuka
Akazadziswa aya mashoko
‘Mapfupa angu achamuka’

More Related Content

More from Jabulani Mzinyathi

Voices in turbulence
Voices in turbulenceVoices in turbulence
Voices in turbulence
Jabulani Mzinyathi
 
Unleashed voices[poetry]
Unleashed voices[poetry]Unleashed voices[poetry]
Unleashed voices[poetry]
Jabulani Mzinyathi
 
Our story [11.11.14]
Our story [11.11.14]Our story [11.11.14]
Our story [11.11.14]
Jabulani Mzinyathi
 
The right tune
The right tuneThe right tune
The right tune
Jabulani Mzinyathi
 
Jah time
Jah timeJah time
Jabulani mzinyathi ten selected poems
Jabulani mzinyathi ten selected poemsJabulani mzinyathi ten selected poems
Jabulani mzinyathi ten selected poems
Jabulani Mzinyathi
 
Voices of this_time[poetry]
Voices of this_time[poetry]Voices of this_time[poetry]
Voices of this_time[poetry]
Jabulani Mzinyathi
 
Voices of women
Voices of womenVoices of women
Voices of women
Jabulani Mzinyathi
 
Politicians and priests
Politicians and priestsPoliticians and priests
Politicians and priests
Jabulani Mzinyathi
 
Voices of this time[poetry]
Voices of this time[poetry]Voices of this time[poetry]
Voices of this time[poetry]
Jabulani Mzinyathi
 
Voices in turbulence[poetry]
Voices in turbulence[poetry]Voices in turbulence[poetry]
Voices in turbulence[poetry]
Jabulani Mzinyathi
 
Hmllb assignment three.portfolio jabulani mzinyathi 43652654
Hmllb assignment three.portfolio jabulani mzinyathi 43652654Hmllb assignment three.portfolio jabulani mzinyathi 43652654
Hmllb assignment three.portfolio jabulani mzinyathi 43652654
Jabulani Mzinyathi
 
Voices of women
Voices of womenVoices of women
Voices of women
Jabulani Mzinyathi
 
Facebook love
Facebook loveFacebook love
Facebook love
Jabulani Mzinyathi
 
Dhege yocaf protest
Dhege yocaf protestDhege yocaf protest
Dhege yocaf protest
Jabulani Mzinyathi
 
FACEBOOK LOVE
FACEBOOK LOVEFACEBOOK LOVE
FACEBOOK LOVE
Jabulani Mzinyathi
 
EXILED FARMER
EXILED FARMEREXILED FARMER
EXILED FARMER
Jabulani Mzinyathi
 

More from Jabulani Mzinyathi (17)

Voices in turbulence
Voices in turbulenceVoices in turbulence
Voices in turbulence
 
Unleashed voices[poetry]
Unleashed voices[poetry]Unleashed voices[poetry]
Unleashed voices[poetry]
 
Our story [11.11.14]
Our story [11.11.14]Our story [11.11.14]
Our story [11.11.14]
 
The right tune
The right tuneThe right tune
The right tune
 
Jah time
Jah timeJah time
Jah time
 
Jabulani mzinyathi ten selected poems
Jabulani mzinyathi ten selected poemsJabulani mzinyathi ten selected poems
Jabulani mzinyathi ten selected poems
 
Voices of this_time[poetry]
Voices of this_time[poetry]Voices of this_time[poetry]
Voices of this_time[poetry]
 
Voices of women
Voices of womenVoices of women
Voices of women
 
Politicians and priests
Politicians and priestsPoliticians and priests
Politicians and priests
 
Voices of this time[poetry]
Voices of this time[poetry]Voices of this time[poetry]
Voices of this time[poetry]
 
Voices in turbulence[poetry]
Voices in turbulence[poetry]Voices in turbulence[poetry]
Voices in turbulence[poetry]
 
Hmllb assignment three.portfolio jabulani mzinyathi 43652654
Hmllb assignment three.portfolio jabulani mzinyathi 43652654Hmllb assignment three.portfolio jabulani mzinyathi 43652654
Hmllb assignment three.portfolio jabulani mzinyathi 43652654
 
Voices of women
Voices of womenVoices of women
Voices of women
 
Facebook love
Facebook loveFacebook love
Facebook love
 
Dhege yocaf protest
Dhege yocaf protestDhege yocaf protest
Dhege yocaf protest
 
FACEBOOK LOVE
FACEBOOK LOVEFACEBOOK LOVE
FACEBOOK LOVE
 
EXILED FARMER
EXILED FARMEREXILED FARMER
EXILED FARMER
 

Yakarira hwamanda yechimurenga

  • 1. Yakarira hwamanda yeChimurenga [Jabulani mzinyathi 25.09.2014] Tisakanganwe zvazuro nehope Tidye michero tichiyeuka mhodzi Hapana mangwana pasina zuro Chivhurai ninga dzepfungwa apinde Apinde aya mashoko azuro ,nhasi namangwana Vepfumo jena vakavaremberedza ambuya Nehanda Sekuru Kakuvi naivo ndokuremberedzwa Musure mekutumidzwa chizita chisina maturo Chizita chisina maturo chekunzi dismas Kwaiva kuedza kupedza Chimurenga netsika dzedu Madzimati akaita zvawo chaizvo zvaanozikanirwa Akati haiwa tadzura tsangadzi nemidzi Vakati tatema muti hapana chigutsa chinobukira Taita zviya zvekugobora pfungwa dzeChimurenga Havana kuziva mashoko akadzama achazadziswa Teererai munzwe nhasi tomareva ‘Mapfupa angu achamuka’ Ndati teererai munzwe mashoko akadzika ‘ Mapfupa angu achamuka’ Nhasi farai mapfupa aya akamuka
  • 2. Detembo riya rakapiwa upenyu Makaita sekuru Solomon Mutsvairo Va Muzenda makarikwenenzvera nekuripa upenyu Makanomira mumatare edzimhosva naro VaChitepo ndokuratidza dzeugweta dzakapinza pfungwa Takaramba kudya nhoko dzezvironda Wepfumojena akanga aigochera pautsi Sekuru VaMuzenda, Va Burombo nevamwe vese magamba Wechimurenga moto makakuchidzira Mbambo dzeudzvanyiriri ndokudzipura Yechimurenga hwamanda yakarira Mapfupa aya akamuka pemberai Tsika dzedu makagukuchira VaMuzenda Pazvinyorwa zvaVaChakaipa, Va Chidzero, Va Chitepo Ruoko rwenyu rwakavepo, nanhasi rwuripo Ngatidzorei ndangariro nhasi tisarasa gwara Muchayeuka here ‘ Karikoga gumi remiseve’ ‘ Nzvengamutsvairo’ VaChidzero makaratidza umhizha VaChitepo ndokupakura ravakati ‘Soko risina musoro’ Imi ndokuvhumbamira vose ava vanyori Yenyika ino midzimu makafadza Zvedzinza renyu kusema hamuna Mucherechedzo makatisiira
  • 3. Pakati peruzhinji magagada makasungirira Mhande , shangara ndokudzana Kuya kuzvininipisa hatikanganwi Mapfupa aya akamuka Akazadziswa aya mashoko ‘Mapfupa angu achamuka’